Grade 7 Shona Paper 1

Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 7

Mishy PRIMARY SCHOOL

MID YEAR EXAM 2021

GRADE 7

SHONA PAPER 1

Verenga tsamba inotevera ugopindura mibvunzo

Gutsa Waterworks

Post Office Box 25

Plumtree

25 Chikumi 2003

Tawanda Shayachimwe

17 Nhika Close

Dombotombo

Marondera

Wadiwa muzvare Shayachimwe

RE: Basa reumabharani

Pamusoro petsamba yawakanyora musi wa14 Kubvumbi 2003 uchitsvaka basa


reumabharani, tine urombo kuti nzvimbo iyi yakapindwa kare.

Kana kwaita imwe nzvimbo tichashambadzazve, usaneta kunyorera.

Tatenda

Ndini anovimbika

D. Tafa
General Manager

1. Munhu akanyora tsamba iyi aiva ku……………………………


A. Nhika Close B. Mashonaland East C. Plumtree D. Dombotombo
2. Muzvare zvinoreva…………………….
A. Mwana mukomana B. harahwa C. mwana D. mwana musikana
3. Mukuru mukuru weGutsa Waterworks ndi…………………………………
A. Tafa B. Tawanda C. Gutsa D. Mabharani
4. Tawanda akazowana basa iri here?
A. Pamwe B. hameno C. hongu D. kwete
5. Basa reumabharani nderekuita se?
A. Kupinda mumugodhi B. kuchere mvura C. kunyora D. kugadzira
pombi

Zadzisa nenyaudzosingwi dzinokodzera

6. Chipo akabatwa achiba ndokungoti


meso………………………………………..
A. Ndee B. bwai bwai C. tuzu D. tende
7. Ndanga ndati…………….. kumira pachibwe
A. tumbi B. tasa C. foyoyo D. zivha
Sarudza tsananguro yedimikira rakapihwa
8. Kubata pasi……………………………
A. Kufirwa B. kuchema C. kuwaniswa D. kushaiswa
9. Kutandavara sorunyemba
A. Kuchenjera zvikuru B. kungoitwa zvinoitwa navanhu

C.kugarika usina chaunovhunduka D. kutambura zvisina basa

Sarudza dimikira rinoenderana netsanangudzo yakapiwa

10.Kuita zvinhu zvinokubuditsa murugare.


A.kubata nhungo dzouswa B. kubvisa gumbo muupfu
C. kuruma gore idzva D. kudyirwa munda nembwa
Pedzisa tsumo
11.Chiri mumwoyo
A. Chiri pamutenhure B. chiri munzeve C. chiri muninga D. chiri
muhana
12.Chaitemura chavakuseva zvakafanana nekuti……………………………..
A. Totenda dzanwa dzaswera nebenzi B. matende matsvuku anovavisa doro

C.regai dzive shiri mazai haana muto D. aive madziva ava


mazambuko

13.Sarudza tsumo inoreva zvinopesana neyakapihwa

Mwana asingachemi anofira mumbereko.

A. Kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto


B. Mhembwe rudzi inozvara mwana ane kazhumu
C. Tsuro haiponi rutsva kaviri
D. Mugoti unopiwa anyerere

Verenga detembo rinotevera ugopindura mibvunzo inotevera

Zvanga zviri muninga

Asi nhasi ndozvireva

Mumusha mapinda nhomba

Zvanzi hende musango kunomutsa mhuka , hanzi bata!

Ndabata , angu mabhonzo akasvisvinwa

Ivo vachidya munyepfu

Mumusha masvika chikara

Rangu zita rodaidzwa

Muchazvirega, Muchazvirega!

Bata chikara bata, bata muvengi uyo!

Ndofira mafufu segonzo


Ini chandapara hapana

Mhosva yangu ndeyeyi?

Mumusha masvika muyenzi

Kana munyarikani

Huku dziri kunze kwemusha

Danai muchazvirega mubate jongwe riya

Ndobata huku iye

Angu mapfupa akanununwa

Nemuto wapamhidzirwa nemvura

Mhosva yangu ndeyeyi?

M.S Burombo

14.Ndiyani arikutsutsumwa mudetembo umu?


A. Ninga B. Nhomba C. Muchazvirega D. Burombo
15.Ninga mudetembo iri chii?
A. Mwena B. mwoyo C. bako D. sango
16.Kufira mafufu segonzo zvinoreveyi?
A.kushingirira kuwana mafufu B. kushanda nesimba kuti uwane
zvokudya
C. kuita chinhu pasina zvaunowana D. kuita basa nomazvo
17.Detembo iri rinodzidzisei muhupenyu?
A. Mhuka hadzina basa B. kana mumwe achikuitira zvakanaka muitirewo
zvakanaka

C.mhuka haifanire kudya zvakanaka D. kusaita zvakanaka

18.Mudetembo iri nhomba zvinorevei?


A. Kushaya usavi B. kushaya hanya C. kushuwa nyama D. Kushandisa
vamwe
19.Ndiani nyanduri mudetembo iri?
A. Danai B. Muchazvirega C. Muenzi D. Burombo
20.Munyepfu inyama yakaita sei?
A. Nyama isina mabhonzo B. nyama yakaoma

C.nyama yamadzishe D. nyama yechidya

Zadzisa sematauriro edu

21.Mwana achangorumurwa anonzi………….


A. Ndonda B. ndumure C. gavamwedzi D. mucheche
22.Ane hutsinye se………… inoruma chaisingadyi.
A. Shumba B. mago C. kamba D. nyoka
Zadzisa nemazwi anodudzira ukama
23.Mwanasikana wehanzvadzi yaamai vako unomuti……………
A.mainini B. maiguru C. tete D. muzukuru

24.Amai vanoti chii kumurume akaroora mwanasikana wavo?


A. Mwana B. sekuru C. mukuwasha D. babamunini
Sarudza mazwi/izwi rinoreva zvakafanana nerakatarwa pasi
25.Ambuya vaTsitsi vakararopaumba apo munda wavo wakadyiwa nemombe
A. Vaituka vanhu B. vaipopota usiku hwose

C. vaipunyaira nehasha D. vairwisa vanhu

26.Sekuru vangu vanoda madima chaizvo.


A. Mabura B. nyimo C. chibage D. manhanga
27.Mutambi wenhabvu atyoka godo repahudyu.
A. Ganda B. mbabvu C. bvupa D. munyepfu
Ipa izwi rinoreva zvinopikisana nerakatarwa pasi

28.Vakarima mbesa dzakawanda chose mugura.


A. Tseu B. jiinga C. gombo D. munda
29.Turika nhumbi pamutariro
A. Isa B. kanda C. tsvaga D. turura
Isa mazwi anotevera muuzhinji
30.Nyoka…….. A. nyoka B. manyoka C. tunyoka D. svinyoka
31.Rukova…….. A. makova B. mikova C. kakova D. hova
Ipa vana vemhuka idzi
32.Chigwi mwana wei?
A. Nguruve B. garwe C. shumba D. mombe
33.Mwana werovambira anonzi chii?
A. Ganyamatope B. nzvenzvana C. mbirana D. chiduwa

Makarekare vainzi maporofita vaiva vanhu vane chiremerera uye


vaikudzwa pamusoro pemabasa avo aikosha avaiita. Vanhu ava vaiva
vashoma zvokuti pamwe muchita chimwe maigona kuva nemaporofita
maviri kana matatu. Nhasi uno nekuwanda kwaita chichi dzemweya
naivowo maporofita acho awandawo. Vamwe vacho vana vaduku
vachine mukaka pamhuno kunyanya vakomana.
Kazhinji kacho vanozviita ava vanhu vasiri kusevenza uye vasati varoora.
Maporofita akare aisabhadharisa vanhu mari asi nhasi uno twumaporofita
utwu twawandisa uye twoda makutukutu emombe nembudzi. Nguva
yapfuura takaburitsa nyaya mbiri dzamaporofita amanyepo umwe wacho
akanwisa amai muchetura achiti muteyo, vakafa.

34.Chii chaiita kuti maporofita emakare kare akudzwe?


A.kubira vanhu B. yaiva nguva yaJesun C. kusambadharisa mari D.
vaibudirwa nemweya
35.Muchita maigona kuva nemaporofita maviri. Nderipi inzwi rinoreva
zvakafanana nachita?
A. Pasi rose B. munyika C. pamusha D. boka
36.Chii chiri kunzi ndicho chakakonzera kuwanda kwemaporofita?
A. Kuda kunamata B. kuwanda kwechechi dzomweya

C.kuda kubatsira vanhu D. kuda mari

37.Chii chinonzi muteyo?


A. Mushonga wekubata varoi B. muchetura

C.mushonga wemudumbu D. mushonga wekuuchika


38.Tinodzidzeyi kubva munyaya iyi
A. Kupiwa muteyo nemaporofita B. kudana maporofita kuti
agadzire musha

C.kutevedza zvataurwa nemaporofita D. kungwarira maporofita emanyepo

Sarudza chirevo chakanyorwa zvakanaka pane zvinotevera

39.A. Ndinofira sadza nyama, nechingwa


B. Ndinofira sadza nyama nechingwa
C. Ndinofira sadza, nyama nechingwa
D. Ndinofira sadza, nyama, nechingwa
40.A. Yohwe Chipo akadaidzira Ndarumwa
B. “Yohwe Chipo! Akadaidzira, Ndarumwa
C. “Yohwe! Chipo Chipo akadaidzira Ndarumwa
D. “Yohwe!” Chipo akadaidzira, “Ndarumwa!"

You might also like