Grade 5 - SHONA - PAPER - 2

Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 2

SPECIALISTS JUNIOR SCHOOL.

GRADE 5 BVUNZO DZEPAKATI PEGORE, 2023.

CHISHONA
PAPER 2.

CHIKUNGURU 2023. TIME : 1HOUR 45


MINS

MIRAIRO KUVANYORI
1. Verenga mibvunzo yose ugonzwisisa

2. Chikamu chokutanga sarudza musoro werondedzero umwe chete ugonyora nechishona chakanaka.

3. Chikamu chechupiri verenga ugonzwisisa , ugopindura mibvunzo yenzwisiso zvizere.

4. Shandisa mutauro wakanaka .

CHIKAMU CHEKUTANGA[20 MAMAKISI]

Sarudza rondedzero imwe chete ugonyora nechishona chakanaka.

1. Kukosha kwemiti.

2. Nyora tsamba kushamwari yako uchiitenda nechipo chayakakupa.

3. Nyora rondedzero inoburitsa tsumo inoti, "Dai ndakaziva haitungamiri."


4. Nyora rondedzero pamusoro penzvimbo inoyevedza yawakamboshanyira.

5. Nyora nhaurirano pakati pemurwere nachiremba vachikurukurirana pamusoro pechirwere chaita


kuti murwere auye pachipatara.

CHIKAMU CHEPIRI: NZWISISO [5 MAMAKISI]

Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo

Mazuva ano mhemberero dzawanda. Munhu anogona kuwana chitupa chourimi kana kubudirira
mubvunzo nezvimwe zvinoratidza kudzidza. Pamusha waVaChikonamombe pane mutambo. Hama
neshamwari dzinobva kumativimana dzaungana.Mwana wavo Mavis aiva abudirira mubvunzo
dzake.Baba naMai Chikonamombe vakati izvi hazvingaendi zvega. Baba naMai vakafunga
zvokubikira doro rekutenda midzimu naNyadenga. Shamwari dzaMavis dzakauya namakadhi
amakorokoto. Hama dzakabvisa mari , baba namai vakabvisa mombe, mbudzi nemari pamusoro.

MIBVUNZO YENZWISISO

1. Mhemberero yakaitwa yaiva yei? [1]

2.Mwana akanga abudirira ainzi ani? [1]

3. Vabereki vaMavis vakabvisa chipo chei? [1]

4. Ndavanaani vakauya pamutambo? [1]

5. Doro rakabikwa nechikonzero chei? [1]

CHIKAMU CHETATU (5 MAMAKISI)

6. Mumazwi asingadariki makumi matatu nemashanu (35), nyora pfupiso yendima yenzwisiso
yavawerenga. Zvirungamutauro hazvidiwe mupfupiso iyi. [5]

You might also like