Ngano Ndicho Chaiva Chikoro Chavashona Pasi Chigare

Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 8

MKOBA

TEACHERS
COLLEGE
DEPARTMENT OF HUMANITIES
BAZI REZVEMUTAURO

CHIDZIDZO: Chishona Chidzidzodzamu.

MUDZIDZI Musoni Shelly

NHAMBA YEMUDZIDZI:..210/19/18...BOKA:19................

VADZIDZI VEGORE RA:18...

01
BASA:

MUSORO WEBASA: Ngano ndicho chaiva chikoro chavashona pasi


chigare.Uchitsigira nengano dzawakaverengakubva mubhuku ngano dzamatambidzanwa
ongorora chirevo ichi wakanangana nepfungwa shanu.

ZUVA REKUUYISA. 28 Kukadzi 2020..

MURAIRIDZI: Amai Mureriwa.......

MUKOHO WEMUKWENYI WEKUTANGA


ONGORORO:......................................................................................................................
................................................................................................................................................
.................
MUKWENYI WEKUTANGA: ................................
SIGINECHA:................................
MUKOHO WEMUKWENYI WEPIRI:

ONGORORO::.....................................................................................................................
................................................................................................................................................
...............

MUKWENYI WEPIRI:..........................................SIGINECHA:................................
MUKOHO WEKUPEDZISIRA
Makare kare pasi chigare pasi pasati parohwa nenyundo ,zvikomo zvichafambidzana
nokutorerana vasikana, madhongi achine nyanga. Madzibaba edu vanova vakatitangira
vaitodzidzawo zvidzidzo zvakasiyana siyana kupfuurikidza nengano .Kwaitovawo ne
hamburamakaka nehofori dzevarume navakadzi vaiita basa rokuraurirwa ngano irizhira
yokuzama kudzora nekudzoredzera, kubatsira uye kuumbiridza pwere, vachango bubudza
uye vodokuterwa nokutevera . Ngano dzakakosha mukurarama kwedu dzinobatsira vana
mukudzidza zvinhu zvakawanda. Muchinyorwa chino muchabudiswa zvizere rutsigiro
rwokuti ngano ndidzo dzaiva chikoro chava Shona. Mazwi achadudzirwa anosanganisira
ngano, chikoro ,uye ngano dzamatambidzanwa

[ CITATION Fin01 \l 1033 ] Ngano inyaya dzinoraurwa nechembere kana harahwa iine zviito
uye zviitiko zvinoitika muupenyu hwevanhu murauri anoruka ngano yake aine
chinangwa chekudzidzisa , kuumba nekuyeudza vanhu zvakare uye tsika nemagariro.
[ CITATION Rut84 \l 1033 ], nevamwe vanoti ngano inozembera pamunyori anova ndiye
anotsangura zviri kutora nzvimbo. Ngano zvidzidzo zvinodzidzisa magariro akanaka ari
epasichigare ,hapana anoti ndini ndakatanga nazvo inongova nhaka yausiye nausiye
muchigashidzana muchiinda marudzi ose anotevera..Zvakadarowo hazvo ngano chikoro
chinotovawo negoho kubva kumudzidzi nomudzidziswi .

( Webster ,2020) ,anodudzira chikoro se nzvimbo ino dzidzisirwa


nokudzidza,panowanikwa vadzidzisi navadzidzi .(Durkheim,1898), anotsanangurawo
chikoro se bato rinokurudzira kudzidziswa kwevana zvavanosangana nazvo kana
vakura ,zvanofanira kugarisana nevamwe ,uyewo mabasa avanozoitawo
munharaunda.Chikoro inogonawo kungova dzidziso inouya kubudikidza nengano
nyaudzosingwi chero pazvaitirwa chinokosha idzidziso.

Rooranai vamatongo, kubva mungano inonzi Vasikana neshumba [ CITATION Hod03 \l


1033 ],vasikana vaya tinoona vachivhevhevetedzwa nevakomana vaishanduka kuita
shumba . Kubva mungano iyi munobudawo chidzidzo chokuti kuwanana kunodawo
vamatongo.Vasikana vaye vangadaiwo vakatsvetsvawo namajaya omutunhu iwoyo
vangadai vasina kupotswa norufu vana vanyamunhu.

Sezvikoro zvanhasi uno panobudawo kuti vana vanofanirwa kungoonana mukugarisana


mavo imomo kuitira zviwira vanhu zvinosanganisira kuzoda kuurayana uyezve kuziva
misha yakarombwa.Takatarisana nezvikoro parinhasi mapuraimari namasekondari
anongodzidzisawo sengano nokuti ku chidzidzo che Family and Heritage Studies
kunodzidzwa tsika namagariro [ CITATION Hod03 \l 1033 ].Zvinova zvakadzidzwa
murungano rwavasikana nevakomana shumba. Zvichakadaro dzaidzisawo upenyu.

Ngano dzaiva chikoro zvechokwadi nokuti dzaidzidzisa tsika nemagariro Takananga


nepfungwa iyi ngano Mukadzi akadya muko [ CITATION Hod03 \l 1033 ] .Mungano iyi
munobuda chidzidzo chokuti mutupo unokosha .Tinoona mukadzi uyu achidyiswa
mutupo asingatombo zivi asi zvakamurwarisa.Takanangana netsika namagaririro mutupo
haudyiwi unoera..Ngano dzinesimba rokuti tsika dzidzidzwe uye dzinoita pave
nokugutsikana ,(Mc,ay, 1986).

Muneimwewo nyaya ( Maley ,1989), anoti iye ngano dzinodzidzisa tsika dzorudo ,kuti
ruvengo rwakashata uyewo zvinokonzera rufu. Takatarisana ne ngano yomukomana uya
wokukosa mukosi tinoonazve kuti idzongano dzaidzidzisa kuti vanhu vanotendera
muchivanhu chavo [ CITATION Hod03 \l 1033 ].Vadzidzi vanonyanya kunzwisisa
zvadzidziswa kupfuura nemienzaniso inobatika sengano dziya dzinopota dzichishaurwa .

Ngano ndidzo dzaiva dura guru romutauro takananga nengano, idzo ngano dzose
dzinotaurwa nomutauro wakavanda . Ngano yechikava chaisanduka kuita munhu
zvinongoreva chete kuti vadzidzi vazadzise chaimirirwa ne chikava kuti imhando
yomunhu rudzii. [ CITATION Mar89 \l 1033 ] anotsigirawo nyaya yokuti ngano
dzinodzidzisa mutauro wakapfuma.Chembere dzinotaura dzichiraura ngano dzinowanzo
bwereketa dzichiti kare kare madhongi achine nyanga. Izvi vanenge vachizama
kutsangura kare kasitombozivakanwi kutindirini.Mungano yomwanasikana navabereki
vake tinona ambuya vachiti,”unonyengawo musikana pawakatimha ipapa sedahwa,
[ CITATION Hod03 \l 1033 ].Apa vana vaitodzidziswa nyaudzisingwi.

Makare karewo kwainzi idzo ngano dzaisangoraurwa pese pese uye nomunhu wose
wose.Pwere dzose dzaitodzidza kuti nguva yengano tinoenda nokuti hakuna kumunda
kunomukwa kuchiindwa . Zvaitopawo mukana wokusangana kwevemazera ose
anosanganisira vanotsvetsvana,vakaroorana,vachangoroora harahwa nechembere .
Mazera ose aidzidziswa mararamiro akanaka.Kazhinji dzaisambowanikwa nguva
dzokurima nokukohwa nokudakwokumanikidzika .Izvi zvaizadzikisawo kuti sarungano
aiwanawo mukana wokuronga uye kunyatso tsvenenzvera ngano dzake.Sezvo vanhu
vekare vaishanda zvakaomarara munguva yokurima zvaiva zvakanakawo kuti vawanewo
nguva yokutsiurwa.

Ngano dzaidzisawo kuteerera nokuteeresesa nokuti sarungano vaizoti vapedza kuraura


vopotsera mibvunzo takatarisana nengano yatsuro .Idzongano dzinonakidza zvokuti
unofanira kutonyatsoteerera kuti uregere kuzosarira kumashure sepaya parungano rwa
tsuro nagudo [ CITATION Hod03 \l 1033 ].Izvi zvinotsigira kuti ukasateerera unozotadza
kuziva pave nemurauri.

Paizopedzwa kuraurwa kwengano iyi muteereri dzimwe nhambo aizombobvunza imwe


mibvunzo inoenderana nezvinenge zvataurwa musi iwoyo.Pamwe vanonzi vaimbe rumbo
[ CITATION Mam14 \l 1033 ] .Kubva mukutewerera vateereri vaibatsira murauri kunzwisisa
zvaari kutaura ,[ CITATION Tho94 \l 1033 ] anotiwo ivo vateereri vanokahadzika
,kushamisika.Kubva mungano Mukadzi akadyiswa muko paya panonzi “kumusha
kunorimwa nzara kuchikohwewa nungo”, vose vanenge vakateerera vanotokahadzika
namashoko iwayo.Zvinongo buditsawo fungwa yokuti vateereri vaitoisa mwoyo yavo
pakuteerera kubva kumurauri.

Ngano chaiva chikoro zvechokwadi dzaidzidzizisawo kuimba ndakatarisana nengano


kubva Ngano Dzematambidzamwa inonzi Vasikana neshumba[ CITATION Hod03 \l
1033 ],vateereri vaibvumira zvidetembwa zvose .Paitodiwa kuti varume vaimbe sevarume
panodiwa izwi rechirume .Paidiwawo izwi reshumba vaitohonyera seshumba
yacho.Munziyo idzi maiimbwa muchidiwa kukwira nokudzika kweinzwi ravaimbi.
Zvichakadaro panopera mwaka wechirimo vateereri vanonga vachiimbirana kumunda
,mudzimba nokumombe.Kubva mukudzidza kuimba vateereri vaizvibatsirawo
kuvarairwa nazvo.

Dura
finnegan and chimhundu. (2001).

Finnegan na Chimhundu. (2001). Duramazwi guru rechishona. Harare: College Press.

Igi-Global. (2020, June 10). www.igi.global.com.

Gombe, J (1998).Tsika dzavashona, second Ed, Harare, College Press

Hodza. (2003). Ngano dzamatambidzanwa. Gweru: Mambo Press Gweru.

Igi-Global. (2020, June 10). www.igi.global.com. Mugabe, D. (1995). Gweru.

Institution, Z. H. (2020). Fucullty Pespective Regarding Challenges in Implementing


quality Assuarance in Zimbabwean Higher Education Institutions. In Z. H. Institution.
Zimbabwe : Online.

Mungoshi, C. (2003). Inongova Njake Njake. Harare/Zimbabwe: Longman Zimbabwe


Pvt Ltd.

Mamvura. (2014). Diploma in Education Primary Open and Distance Learners.


Harare,Zimbabwe: Zimpress.

Marey,Carter R,Walter R,Brumfit C. (1989). literature in the learner methodological.


Britain: English Publication and British Counsel.

Ruth. (1984). Rugare tange nhamo. Gweru: Mambo Press ,Senga Road,

Thomas L,T,Levine T,R. (1994). Disentangling listening and Verbal Call. Retrieved
from related but separate construct? human com research,21,103,127.....

UkEssays. (2017). Benefits of Folktales. Retrieved from


https://studyonline.ecu.edu.au/blog/effective-learning-styles-education?modTest=.
[Accessed on 01/12/19].

You might also like